N’anga Chiyokoto
N’anga Chiyokoto

VAGARI vekuMakuni, kuRushinga, svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo mutumbi weimwe n’anga yeko  iyo yakafa nekurwara  wakangotorwa pamusha payo kaverevere ndokunovigwa pakati pehusiku kusina anoziva.

Vanhu vainge vakaromba mishonga nedzimwe mhiko kun’anga iyi vanonzi vari kuita chipatapata kunodzosera zvinhu zvavainge vakapihwa.

N’anga Everisto Nhete Chiyokoto (70) inonzi yakafira pamusha payo svondo rapera mushure mekurwara kwenguva pfupi uye mutumbi wayo wakazovigwa husiku.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nezverufu rwen’anga iyi.

Verenga: Akarova Amai Over Beans

“Sekuru Chiyokoto  avo vaigara kuNyatsato, kuRushinga kudivi reZimbabwe pamuganhu wenyika ino neMozambique  vakashaya mushure mekurwara. Vaivawo nemumwe musha kwaMambo Meki Kalopola, kuTete, kudivi reMozambique semunhu anga aine madzimai akawanda.

“Semapurisa, shoko rekufa kwavo takaziviswa zvose nekurwara kwavo, asi chirwere chacho hatina kuchiziva,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanotsinhira kuti n’anga iyi yakavigwa husiku.

“Mutumbi waSekuru Chiyokoto, avo vanonzi vaiita masaramusi, wakatorwa husiku nevakuru vemunzvimbo iyi uye unonzi wakanovigwa kumapako anoyera. Isu hedu hatina kuzozvitevedza zvakanyanya,” vanodaro Insp Mundembe.

VaChristopher Karawanda (45), avo vaishanda naSekuru Chiyokoto, vanotsinhirawo.

Insp Mundembe

“Sekuru Chiyokoto vakarwara ndokufa, asi kwavakanovigirwa isu vechidiki hatikuzive, tinongoti kune kwavakanozorodzwa nevechikuru. Midziyo yavo yavaishandisa zvichiripo pamusha uye kuchaonekwa kuti ndiyani achatora nhaka yavo nekuti mudzimu wemumusha uchatsvaga paunoenda,” vanodaro VaKarawanda.

N’anga iyi inonzi yaiva nemadzimai mashanu nevana vanodarika makumi matatu nevazukuru vakawandawo.

Mwedzi wadarika, zvinonzi n’anga iyi yakashevedzera munharaunda yeRushinga nekuMt Darwin nekuMozambique kuti vanhu vayakarombesa zvinhu vaifanirwa kuzvidzosa zvose izvo zvinonzi vamwe vaimhanya kunodzosera isati yafa, asi vamwe vakazoenda ndokuwana n’anga iyi yava chitunha.

“Ichokwadi, sekuru (Chiyokoto) vakafambisa shoko kuvanhu vavo munyika muno nekunze vachiti vadzose mishonga nemhiko zvavakavapa. Vamwe vakauya asi vamwe havana. Avo vari kuuya vari kutambirwa vachidzosa zvinhu zvakasiyana  zvidhoma kana nyanga,” vanodaro VaKarawanda.

Vanoti vanhu vakasununguka kudzosa zvinhu izvi vachionana nemhuri yakasara voudzwa zvekuita apo vanobvisiswa muripo.

“Zviya zvamainzwa kuti vanhu vari kutorerwa mombe naSekuru Chiyokoto handizvo, vaitobvisa voga semuripo wekutenda uye zvavainge vasisade vachizvidzosa.

Kwayedza yakamboshanyira Sekuru Chiyokoto mugore ra2018 kuTete, kuMozambique uko vatori venhau vakatambirwa nehangaiwa dzaisavhunduka vanhu pamuganhu weHilla Border Post dzichizara mumota nepamusoro kuchinzi kwaiva kutambirwa nemashavi en’anga iyi.

Vatori venhau ava vakaperekedzwa nehangaiwa idzi mota ichifamba, dzimwe dzichibhururuka nepamusoro kunosvika pamusha wen’anga iyi.-Kwayedza

Loading...

Are You Looking for a NEW JOB?

Are you looking for a job or maybe you are already working but want a new job? We have you covered on our Jobs Listings website. We post only genuine jobs and you can apply for free. See All Jobs Here