Home Local Ndakauraya mwana wangu kuti ndiwane murume anondiroora

Ndakauraya mwana wangu kuti ndiwane murume anondiroora

Hide ID: Ndiri mukadzi ane 35 ndinoda kureurura kuurayisa mwana wangu. Ndakaroorwa ndichiri mwana mudiki ndine 17 yrs ndikangogara mumba muye kwe 3years chete ndikadzokera kumba kwedu. Ndakatiwo ndine 21yrs ndakutonyengwa ndaibva ndatouudza munhu andinyenga kuti ndine mwana aibva arega kudzoka kusvika ndatove ne 25yrs zvichingodaro and handaimbonyengwa nema divorcee but majaya. So ndakazoti ndichibva kunotora mwana kuchikoro ndobva nda crosser naye pa biz road mota dzichiuuya tave pakati ndokumusiya ruoko rwake bvaadonha mota ichitouuya kumudhuma abva aenda mudenga kusvika achirovera pasi akabva atofa mwana wangu. Mwana akavigwa pasina year ndakutonyengwa no need ye kutaura kuti ndine mwana ndikatoroorwa ndikachata ndine mwana 1 asi anomboiita kunge akubatwa nema mhepo otanga kutaura kuti ukuda kunditsikisa nemota futi here zimuroyi. Hubby wangu haana chaanoziva ndafunga kunouudza ex hubby zvakaiitika mwana wandinaye now araramewo a normal life. Kutsikisa mwana nemota l planned it in my mind ndozvandinongodawo kureurura.

Adopted from ZIMBABWEANS DEEP SECRETS (CONFESSIONS )

Read Next: Ndirikuhurira murume wangu nemuCongolese

Loading...